Kwayedza Zimpapers

Kwayedza Zimpapers Zimbabwe's leading weekly Shona newspaper that is published by Zimbabwe Newspapers 1980 Limited
(33)

20/08/2024

Nzvimbo inotandarira veruzhinji, yeGlen Norah B Park Exhbition Centre, iyo yanga yoita kunge dongo, iri kuvandudzwa izvo zvichabatsira vagari veko kuti vawane pekutandarira uye kuita mabhindauko anovapa chouviri. Ngatinzwei . . . — Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yagadzirira kurwisa chirwere cheMonkeypox (Mpox) icho chakanyuka kune dzimwe nyika dziri muAfrica zvisinei neku...
20/08/2024

ZIMBABWE yagadzirira kurwisa chirwere cheMonkeypox (Mpox) icho chakanyuka kune dzimwe nyika dziri muAfrica zvisinei nekuti munyika muno hachisati chavemo.

Bepanhau ReVanhu

Motokari iyi yatakurwa nemapurisa ekanzuru yeHarare panosangana mumugwagwa Park Street naSamora Machel mushure mekupakwa...
20/08/2024

Motokari iyi yatakurwa nemapurisa ekanzuru yeHarare panosangana mumugwagwa Park Street naSamora Machel mushure mekupakwa panzvimbo isingatenderwe

Vashandi ava vari kudiridza miti yemuPalm yakadyarwa mumugwagwa Samora Machel, muguta reHarare nechinangwa chekunatsurud...
20/08/2024

Vashandi ava vari kudiridza miti yemuPalm yakadyarwa mumugwagwa Samora Machel, muguta reHarare nechinangwa chekunatsurudza nharaunda iyi. - Mifananidzo naNicholas Bakili

MUTUMBI wechembere yaisvikirwa nemudzimu unonzi wainaisa mvura ichigara kwaSabhuku Chimusisi, kuMukumbura, kuMt Darwin —...
20/08/2024

MUTUMBI wechembere yaisvikirwa nemudzimu unonzi wainaisa mvura ichigara kwaSabhuku Chimusisi, kuMukumbura, kuMt Darwin — uyo wakanoyanikwa padara musango reko kuti uwore uchinzi waizoendeswa kuMozambique uko kwaibva mushakabvu uyu — unonzi hausati wawora zvisinei nekuti wasvitsa mwedzi gumi uri mudondo.

Bepanhau ReVanhu

MUTUMBI wemurume ane makore 55 okuberekwa wekuMbembesi kuUmguza, kudunhu reMatabeleland North, wakawanikwa wakaradzikwa ...
20/08/2024

MUTUMBI wemurume ane makore 55 okuberekwa wekuMbembesi kuUmguza, kudunhu reMatabeleland North, wakawanikwa wakaradzikwa pamubhedha usina musoro zvinopa fungidziro huru yekuti akapondwa.

Bepanhau ReVanhu

KAMBANI yemuHarare iyo inotsigira varimi yorwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki nekuvapa nhiyo pachena p...
19/08/2024

KAMBANI yemuHarare iyo inotsigira varimi yorwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki nekuvapa nhiyo pachena pamwe nemishonga senzira yekuti vavambe mabhindauko ekupfuya huku vachitengesa.

Bepanhau ReVanhu

MURUME ane makore 38 okuberekwa wekuChitungwiza apihwa chirango chekupika jeri kwemakore 15 azere mushure mekubata magad...
19/08/2024

MURUME ane makore 38 okuberekwa wekuChitungwiza apihwa chirango chekupika jeri kwemakore 15 azere mushure mekubata magadziko uye kupinza zvigunwe zvake kumwana ane makore 11 okuzvarwa uyo waanogara naye.

Bepanhau ReVanhu

MUDZIMAI wekuHwange akapona neburi retsono apo nzou yaimurwisa yakatsokodzera jira rezambia raakadonhedza achitiza ichif...
19/08/2024

MUDZIMAI wekuHwange akapona neburi retsono apo nzou yaimurwisa yakatsokodzera jira rezambia raakadonhedza achitiza ichifunga kuti ndiye zvikaita kuti akwanise kupukunyuka.

Bepanhau ReVanhu

Teen Rescue Mission, sangano rinonunura vana vanotambura avo vanenge vasiira chikoro panzira nekuda kwekushaya nhasi rat...
19/08/2024

Teen Rescue Mission, sangano rinonunura vana vanotambura avo vanenge vasiira chikoro panzira nekuda kwekushaya nhasi ratsigirwa nemabhindauko ehuku dzemazai nemumiririri wenyika yeChina muno, VaZhou Ding, vachishanda nechikwata chevarapi cheChina Medical Team. Izvi zvaitikira paChitungwiza Vocational Training Centre iri kwaMakoni. — Mifananidzo naMuchaneta Chimuka

Kufarisa . . . Hwindi uyu akagara pamusoro pemotokari iri kufamba mumugwagwa Simon Mazorodze, muguta reHarare - Mifanani...
19/08/2024

Kufarisa . . . Hwindi uyu akagara pamusoro pemotokari iri kufamba mumugwagwa Simon Mazorodze, muguta reHarare - Mifananidzo naNicholas Bakili

MUDZIMAI anogara kuChitungwiza anonzi akaita mushandirapamwe nemukomana ane makore 18 ekuzvarwa uyo waanogara naye, ndok...
19/08/2024

MUDZIMAI anogara kuChitungwiza anonzi akaita mushandirapamwe nemukomana ane makore 18 ekuzvarwa uyo waanogara naye, ndokupamba murume ane makore 38 ekuberekwa, uyo vakanovharira kumba kwavo kwemazuva mana apo vaimuzvindikita kumurova nemupinyi webadza.

Bepanhau ReVanhu

19/08/2024

Zviri kuitika kumusangano weClimate Change Experts Meeting uyo uri kuitirwa kumahofisi eMeteorological Service Department, muHarare, apo vamiririri venyika dzemuSADC vari kupangana mazano maringe nezvingaitwa mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze. Pakupera kwemusangano uyu ndipo pachaziviswa kuti mwaka wekunaya kwemvura wegore rino uchange wakamira sei. Inzwai Mai Rebecca Manzou vanova director uye mukushi wemashoko kuWorld Meteorological Organization vachitaura . . . — Muchaneta Chimuka

Basa sebasa . . . Vashandi ava vari kuisa mitsara mumugwagwa Sir Seretse Khama (waimbonzi Angwa Street kare), muguta reH...
19/08/2024

Basa sebasa . . . Vashandi ava vari kuisa mitsara mumugwagwa Sir Seretse Khama (waimbonzi Angwa Street kare), muguta reHarare - Mifananidzo naNicholas Bakili

MAMBO Chiswiti, VaShort Kanzou, vekuMukumbura, kuMt Darwin, vanotenda Hurumende nebasa guru rairi kuita rekugadzira migw...
19/08/2024

MAMBO Chiswiti, VaShort Kanzou, vekuMukumbura, kuMt Darwin, vanotenda Hurumende nebasa guru rairi kuita rekugadzira migwagwa mudunhu ravo kunyangwe zvazvo kuchiine mimwe inoda kuvandudzwa.

Bepanhau ReVanhu

President Mnangagwa nemumwe wavo, President Mokgweetsi Masisi vekuBotswana, nhasi vanomema purazi rePricabe Farm riri ku...
18/08/2024

President Mnangagwa nemumwe wavo, President Mokgweetsi Masisi vekuBotswana, nhasi vanomema purazi rePricabe Farm riri kuKwekwe. — Mifananidzo: Believe Nyakudjara

Zvimwe zvange zvichiitika pakuparurwa kwechirongwa cheSADC Liberation Monument and Square Ground Breaking Ceremony paMus...
18/08/2024

Zvimwe zvange zvichiitika pakuparurwa kwechirongwa cheSADC Liberation Monument and Square Ground Breaking Ceremony paMuseum of African Liberation, kuWarren Park, muguta reHarare, apo sachigaro weSADC President Mnangagwa vange vakakutwa nevatungamiri vedzimwe nyika dziri mudunhu iri vanosanganisira King Mswati III vekuEswatini, President Lourenço vekuAngola, President Andry Rajoelina vekuMadagascar naPresident Mokgweetsi Masisi vekuBotswana. Vachitaura pachiitiko ichi, President Mnangagwa vanoti Hurumende yeZimbabwe iri kupa hekita imwe chete kuMuseum of African Liberation kuitira kuti nyika dziri muSADC dzikwanise kuvaka zvivakwa zvinocherechedza nhoroondo dzadzo.

Chikwata cheCulture Warriors Dance Group chichitamba pakuparurwa kwechirongwa cheSADC Liberation Monument and Square Gro...
18/08/2024

Chikwata cheCulture Warriors Dance Group chichitamba pakuparurwa kwechirongwa cheSADC Liberation Monument and Square Ground Breaking Ceremony nhasi kuWarren Park, muguta reHarare.

Zvange zvichiitika nhasi kuGeo Pomona Dump Site muguta reHarare apo President Mnangagwa, avo vanove zvekare sachigaro we...
18/08/2024

Zvange zvichiitika nhasi kuGeo Pomona Dump Site muguta reHarare apo President Mnangagwa, avo vanove zvekare sachigaro weSADC, vatungamirira vakuru-vakuru venyika dziri mudunhu iri nevamwe mukuona mafambisirwo ebasa panzvimbo iri kuvandudzwa marara iyi.

18/08/2024

Chikwata cheCulture Warriors Dance Group chichitamba pakuparurwa kwechirongwa cheSADC Liberation Monument and Square Ground Breaking Ceremony nhasi kuWarren Park, muguta reHarare.

Subscribe to all Zimpapers publications for just $1 per month on your preferred platform.Click on the link below to regi...
17/08/2024

Subscribe to all Zimpapers publications for just $1 per month on your preferred platform.

Click on the link below to register and subscribe.

https://accessall.printhub.co.zw

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa – avo vachangobva kugadzwa kuva sachigaro weSADC nhasi – vanoti vanonzwa kuzvi...
17/08/2024

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa – avo vachangobva kugadzwa kuva sachigaro weSADC nhasi – vanoti vanonzwa kuzvininipisa zvakanyanya sezvo dziri nyasha dzekuti vave pachigaro ichi uye vanokurudzira nyika dziri mudunhu iri kuti dzirambe dzakabatana nechinangwa chekusimudzira budiriro yezveupfumi, pakati pezvimwe.

Bepanhau ReVanhu

First Lady Dr Auxillia Mnangagwa vagere nevamwe vavo — First Lady Mrs Monica Chakwera vekuMalawi, First Lady Dr Ana Dias...
17/08/2024

First Lady Dr Auxillia Mnangagwa vagere nevamwe vavo — First Lady Mrs Monica Chakwera vekuMalawi, First Lady Dr Ana Dias Lourenco vekuAngola (kuruboshwe kwavo), uye Mambokadzi veEswatini nemumiririri weSeychelles (kurudyi kwavo) vari kumusangano we44th SADC Summit.

BH24 is a digitally packaged business news platform designed to offer updates that have a bearing on business decision m...
17/08/2024

BH24 is a digitally packaged business news platform designed to offer updates that have a bearing on business decision making on a daily basis.
To receive this informative newsletter for free, fill in the mailing list form.

https://www.surveymonkey.com/r/ZCLLD8W

Musangano wevatungamiri venyika dzemudunhu reSADC wechi44 watanga nhasi kuNew Parliament Building, kuMt Humpden. Mutunga...
17/08/2024

Musangano wevatungamiri venyika dzemudunhu reSADC wechi44 watanga nhasi kuNew Parliament Building, kuMt Humpden. Mutungamiri wenyika President Mnangagwa ndivo vari kutora chigaro chasachigaro wesangano iri nhasi.

Nhumwa dzatotora zvigaro kumirira kutanga kwemusangano we44th SADC Summit kuNew Parliament Building
17/08/2024

Nhumwa dzatotora zvigaro kumirira kutanga kwemusangano we44th SADC Summit kuNew Parliament Building

President Mokgweetsi Masisi vekuBotswana vasvikawo
17/08/2024

President Mokgweetsi Masisi vekuBotswana vasvikawo

Address

Herald House, George Silundika And Sam Nujoma
Harare

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Kwayedza Zimpapers posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Kwayedza Zimpapers:

Videos

Share

#BepanhauResvondoRino

Tengai bepanhau resvondo rino munzwe zvizere


Other Media/News Companies in Harare

Show All