24/04/2025
Manheru vehama, ndashaya zano ndapererwa ndiri mudzimai akaroorwa uye ndine vana two nemurume wangu, ndakapindwawo nemweya wa satan ndokudanana neumwe murume, ndaive ndisati ndakamboenda kumba kumba kwake so nezuro kuseni ndakati zvandiri off kudai regai ndiendeko iye munhu anoita hake self job saka anogara aripo, ndakamufonera kuseni k*t wozonditora na10 akauya akanditora tikaenda kumba kwacho, murume uyu mu Naija anogara ega pa flat rake 4th floor, takasvika akabika chikafu tikadya uku aive atenga nyama yakagochwa doro zvese zvaivepo, ini doro handinwe hangu iye ndiye ainwa around 2 ndakati chindiperekedza ndidzokere kumba sezvo hubby achidzoka kuma past 4 and ndoda kupfuura ndichitora vana ku creche, akabva ati its oky babe rega ndimbomhanyisa order dzangu pane customer yafona ndozokuperekedza kana ndadzoka ndodzoka izvezvi so 30mins will be here, akabva abuda ndokukiya door ndokuenda ini ndakasara ndichitogeza hangu kuzasi kwangu k*t kana auuya toenda, 30mns dzakapfuura no munhu, ndikati kuda achasvika hake let me relax, akazofona hanz babe am on my way but traffic, ndikat its oky, 4 yakachaya no munhu ini aaah regai ndibude ndiende kudai door akiya aebda nema keys ake ndoitasei manje pano, ndaakumufonera futi, fon yake haichaiti now ndaakuvira nehasha ndoitasei uku akiya door ndaidai ndabuda hangu ndaenda sezvo mari ndinayo ye taxi, ndakachema vehama uku ndibude nepa window hazviiti 4th floor, haaaa ndakapererwa veduwee uku murume aakungofona uripi ndichingoti ndirikuuya ndiri mu town aak*ti uri papi ndizok*tora, ko vana watora here ku creche ini kwete, uku fon yemunhu haichaite zvachose uku ndaakungochema ndoitasei pano chihure ichi vehama chokwadi hachidi uri pamurume regai vanhu vachitaura, ndakazvidemba ndikazvituka ndikademba rufu but paive pasina option, ndagara pasi ndakadaro uku 8 yachaya, Abhero arikungofona, ndazoti regai ndidzime fon ndakangogara chikafu chaive hobho kana kubata handina, ndikungochema hope kana kuuya