08/07/2024
EVIL SISTER
STORY BY V.MUTASA
CHITSAUKO 47
+27626831225
Takasara tati tuzununu kunga madzukununu akarinda makudo.
Tose taingunotarisana kunga vanhu vasingazivani.
Tete Mai Kim ndiye munhu akanyara zvikuru. Vakashaya pekupinda nekuti vakanga vongosekaseka sekabenzi.
"Saka vagumbuka nekuda kwedu here?".
Ini ndini ndakazobvunza mushure mekunge ndaona kuti runyarararo rwanyisa uye ndaifunga kuti Baba Eze naTete vanhu vanogaroshanyirana.
Handina zvangu kuziva kuti mari yaiva yaiuya naBamukuru yaiva yei.
"Haa zvababa vako here mwanangu, ndiniwo ndavafonera ndichivaudza kuti muripano zvimwe mungaonana sezvo tirimhuri imwe".
Vakapindura Tete.
"Zvino manje kaBag kavasiya imari yei?"
Ava ndiBamukuru Baba Kim vakazobvunza asi Tete havana kuda kupindura kunze kwekuvhura kaBag kaya ndokutiratidza chitsama chemari.
"Mari yakabviswa pamarooro aMassie ndiyo yavauya nayo iyi".
Vakataura vachiratidza kupererwa Tete.
"Kk*kk*k, vanhu vekwaMuganga drama racho harisi ravakuwandisa here?"
Vakataura zvavo vachisekaBamukuru.
"Munotoseka henyu Baba Kim?"
Vakabvunza Tete.
"Ndotadza nei kuseka nhai Mai Kim, shuwa munhu mukuru akaita saBambo Baba Eze ava ndewekuita zvakapusa kudai.
Ipai tsano Irvine mari iyi vaishandise zvavanoda hazvina kana mhosva pazviri izvi. Mungatoshushishakana nemadhara makuru akadai anogarira pfungwa here, ndakazviona hangu kuti ndivo vakanga vakufurirai kusada kumusha kwenyu".
Bamukuru vakataura vachiratidza kushoora mhuri yedu.
'Hii Baba Kim...."
Vakada kutaura Tete vakavharirwa.
"Hadzisi nhema dzandirikutaura idzi, hanzvadzi yako iyi inonyima haidi zvehama chete".
Vachipedza kudaro Bamukuru takabva tati bvuu kuseka zvedu..
"Ooh Irvine mwanangu iyi mari iyi ndiyo yakabvisirwa hanzvadzi yako iyi, imwe shoma yakashandawo uye imwe yakagovewawo kune vaivapo, uyishandise zvinemusoro mwanangu".
VaTete vakadaro vachitambidza Irvine mari iya.
Akaitora mari iya Irvine ndikaona achihutahuta huta, handina kuda kutaura ndakaramba ndakati ziii kunyarara.
"Ma..masimbisa tete".
Akadaro Irvine kamutauro kavo kemumastreet kakanga kasati kapera.
"k*k*k Unotendeiko Irvine, ko manje uchaishandisei?".
Vakabvunza tete vanenge vakanga vanakirwawo nemataurire ake.
"Ah zvamanje manje tete ndirikunyara, Mkwambo akamiramira kudzora life yangu back saka apa ndakuda kuti nditsvage course yandingaita, bag riripo tete asi handisati ndaziva kuti imarii saka mukunda wangu achandibatsirawo kuzheta ndikete manumbers then ndoziva Course yandingaita inoda maslow slow seni kudai".
Akapindura asi moyo wangu wakarwadza ukaenda kure ndichinzwa mwana wamai vangu achitaura zvinemusoro kudai.
Chero vaTete vakapururudza zvavo kuratidza mufaro, chimwe chandakafarira ndechekuti vaTete vakanga vazvipira kutida zvavo nemoyo wese, ini ndini ndakanga ndichikuita fambedzoke asi musi uyu ndakaona rudo rwavo.
Zvisinei takava nemufaro zvikuru.
"Aiwa apa mafunga chaizvochaizvo mukoma, tsvagai zvekuita mobva matangawo zvenyu, mari yenyu inokukwanirai iyi".
Vakadaro vaTete vachisimbisa Irvine uye takava nemufaro.
Tichisvika kumba Irvine akawararidza mari zvikanzi Sisi ndibatsirei kuverenga.
Ini handina kuda kumuendera mberi nekuti ndaida kuona kuti pfungwa dzake dziripapi.
Takapedza kuverenga ndokubva anditarisa.
"Saka ndoitasei nayo nhai Sisi Massie?".
Akabvunza Irvine.
"No,you must lead the way bro, what do you think?".
Ndakabvunzawo.
"Okay first dakumbotengerawo kamupfana karimudumbu aka something, second ndoda kuita party timbodya tiripamwe, Sisi ndoketa kuti beef iripo pakati penyu naSisi Mercy asi ndaida kumboti timbosangana tose timbodya tiripamwe, kana zvichibvira taindozviitira kumusha hedu then the rest ndeyangu yechikoro ndoda kuita motor mechanic pamwe nekubhadharirawo Best school fees".
Akapedza achidaro Irvine ini ndiri zii zvangu handina kuda kutaura asi ndakabatikana paakataura zvekusangana kwangu naMercy.
List yake zvayo ndakaifarira asi pakundisanganisa naMercy ndopakaresveka.
"Okay zvimwe zvose zvakanaka asi pakuzoti tisangane naMercy apa......"
Handina kupedza kutaura Irvine akaswedera pandaiva kwakutanga kundikumbira achiiita kudemebeterera.
"Okay oky Irvine tinoita kana zvirizvo zvaunoda zvacho, asi kwete izvozvi".
Ndakazopindura ende uye akafara zvikuru
Takataura zvakawanda naIrvine and takasvika pakunzwanana pamwe naBest akanga avakunzwisisa chose kuti ndini Mai vake.
Kushanyirana kwedu naMercy kwaiva kushoma chero nabamukuru chaivo taionana pano neapo.
Kubva zuva ratakanga tatanga kusangana ndaiona hangu kuchinja kunaBamukuru chero kunaMercy.
Iyewo Mercy kwangu kumba ayaisangosvikasvika paadira.
Zvose izvi zvakanga zvakavengwa naIrvine, Irvine ayida chose kutibatanidza asi ini hangu wangu musoro ndakamboramba ndakaomesa.
Yekuenda kuMusha ndaingotizatiza nekuda kwepamuviri ndaingomuka rimwe zuva ndomuka ndichiti ndirikurwara saka kuti anyatsoronga zvakamunetsa asi ayitoratidza kuti Mercy akanga akatomuudzawo.
NaJustice taitaura patadira nevideo call neCall zvese aiwa handishoori hangu baba vaigona kutichengeta havo ivava.
Pakapera Mwedzi inokwana kuita mishanu, ini dumbu rakanga rachiti ndendende kunga huma yeAvm.
Ndakanga zvino ndambopopotera Justice ndichimuudza kuti haachandidi nekuti ndakanga ndamufunga samare.
Ndainzwa kuda kuti avepadhuze neni chero zvake ayingunokumbira ruregereo asi ndakambomuvhevhetedza nawo mashoko.
Chimwe chakanga chavakundibhohwa ndechekuti vaMwene vangu vakanga vasingachazivi kusvika kumba kwangu, Tete vangu chaivo vakanga vatovanemwedzi vasina kumbotsika chivanze changu.
Mercy wakanga urimugariro asi ndakanga ndava nekakumufunga hangu.
Ndakanga ndirere paverander munhu ariuko dumbu irikoko, apo takanzwa intercom ichirira ndokubva Netsai avhura.
Pakapinda Mercy achifamba ega, denga denga munhu ndeuno wakanga avamutete.
Ndichingomuona ndakanzwa moyo wangu kufuratira.
Ndakaridza tsamwa zvekuti pamwe akazvinzwa.
Tichingopinda mumba Mercy akatanga kuzavaza, ayitaura Mercy zviya zvekuti unonyatsoona kuti panechaari kunyengerera.
Ndakaziva zvangu kuti inyadzi dzezvaakanga andiita kubva kare asi ndaingomudavira one word answer kana kumurafura.
"Zvunhu zvangu zvambova nane Mainini, ndakutokwanisawo kuhodha zvinhu zvichitengwa kubva zvatasangana, hiii Mwari anenge akanditarira nekufara shuwa".
Ayitaura zvake Mercy ndichingoti hoo, ndakamboda kuti ko mari yekuhodha makaiwanepi asi zvakazoperera mumuromo hazvo.
"Manje ndanga ndauya kuti ndimbokutorai ndoda kumbopinda nemi mutown umo".
Mercy uya uyo.....
"Haa ndakaneta ini handidi zvekufamba".
Ndakaramba ende uye ndakataura ndakamutarira kumeso chaiko ndikaona kupusa nekunyara kumeso kwake.
Moyo wangu wakarwadza ndikazoti Okay tinoenda.
"Ndakagadzirira tikabuda naDriver ini pamwe naMercy.
Umwe Moyo wakamboti kunondobuda chakanaka here uko kana kuti kwavakundopedziswa naMercy uyu.
Chakandishamisa ndechekuti nzvimbo yatakaendeswa naMercy veduwee yakanga yakanaka uye kwairatidza kuti kunotengwa zvinodhura.
Takasvika tikapinda mulift ndokundoti ngee pamusorosoro chaipo apo takafamba ndokupinda muneimwe shop mairatidza kuti munosonwa.
"Mainini ndoda kukusoneserai dress ramunoda saka muchatorwa ma measurements acho pano".
Akadaro Mercy ndokubva ndangomutarira.
Zvakandinetsa kuti why aketa kunditengera teneti.
"Ah handiti ndimi munoda kundisonesera here, motosarudza imi ramunoda chairo, your choice".
Ndakapindura.
"Ooh okay then saka torwai mameasurements tione hedu".
Mercy ayitaura akafara, kakumujinyura kandaiita haana kana kumboita basa nako kana kumboita shungu zvake, ayitoratidza kuti arikufarira zose.
Takaita zvatakaita tikaenda kuchikafu tikadya tikadzoka kumba uye Mercy haana kuzogara akabva adzokera kumba kwake asi akavimbisa kuzodzoka achitiona.
Ndakapinda mukamuri mangu musoro wangu uchitenderera, ndaingunofunga kuti Mercy kunditengera hembe ndiwo akava mavambo ehutsinye hwake achinditengera zviMini, manje izvozvi atangazve, asi anoda kundirambisa nemurume here.
Arikurongei Mercy uyu
Ko iko kudhura kunoita hembe dzacho kwaaida kusonesa mari yacho akamboiwanepi.
Asi akadzokerana nanaMai Sithole vavakuda kundiparadzazve here, akaiwanepi mari yekuita zvese izvi.
Iko kuchena akanga avakuchenachena chero zvaro ganda rakanga ravakuramba kudzokera panzvimbo asi akanga avakuchena Mercy.
Phone chaiyo akanga avanetouch screen yakanaka Mercy hameno kuti akanga ayitengepi nemari ipi.
Ndakazvitambudza mupfungwa asi handina kuwana mhinduro yezvandaida.
Ndakatora nhare yangu ndokubva ndavhura number dzake dzaakanga andipa.
Ndakamufonera ndikanzwa ichirira nhare yake ende uye ndaida kuti ndimubvunze kuti chii chaizvo chaavakuronga this time around.
Magumo echitauko 47