18/01/2024
MUPURISA WEKANZURU YEGUTU MUPANDAWANA ODZOSERWA MUTSVAIRO.
Chinobhururuka chinomhara hama dzangu. Mupurisa weKanzuru yeMupandawana aiita senge mombe inobaya dzoro rose. Vanhu vanotengesa vaiti kumuti baa vaitamba chamurambamhuru iye ari muchairi. Zvisinei tsamwe dzeruzhinji hadzina makomborero.
Mbinda aigaro chiudzwa navamwe pamusaka pakumhanyisa vanotengesa muchiteshi ichi. Waitonga zvokuda kubata Pharaho.
Wainzwa manyukunyuku adambura zvinhu zvoti warara pasi. Sare muridzi onongera vanhu vakayeva. Kunyange vanhu vachichema nezvirwere zvemidumbu aisava nepfungwa iyoyo.
Vanhu vaingomubata muromo, gavarichadambura musungo, uye ziva chisi hachieri musi wacharimwa. Zvinodambura moyo kuona munhu achafarira kuti madomasi nemabhanana emumwe aorera mumaoko avo. Hofisi yoitwa gomba remarara, kusaziva ndokufa.
Chokwadi zvakaoma semutanda webhasikoro. Samusha vanofarira kufa kumuvakidzani wavo vamupisira dura, iye nevake voguta.
Mbinda aisada kuona munhu wechirume p**o naye aitoti akatora chake haanzwiri tsitsi. Hongo akatumwa kuzoita basa, asi zivai kuti chingoma chikaririsa chava pedyo nekubvaruka. Zivai zvanza zvinogezana, chisina tsvina ndochinotogeza chinesvina kuti zvifanane. Zvakadaro munhu munhu navanhu. Idzo ndotsika namagariro edu.
Nhasi chinobhururuka chinomhara chokwadi. Nyakuzvikwidziridza ndiye nyakuporomoka. Mbinda haana kuita mazuva akuta madomasi ndokuita mahwekwe nehembe yamai vaiva nemadomasi ikaita marengenya. Chakava chidoko chapfuura.
Hofisi yekanzuru yakaona kugona basa kwaMbinda ikamupa mutsvairo, sezvo muguta muine basa guru remarara ayo anoda handa yebasa saiye.
Vhiki rino richivhuhwa ndopanopururdza vanhu Mbinda ava kuteverere marara evaaibata uyanga. Hama dzangu dananai muchiona chimiro chenyika. Pamwe unototi nguva yemuchena haina kupfuura apo mwana wemutema akatsikwa konzi nemwana wemutema, uye ari gonzo namangoyi.
Wenyu Boysen Sahanga.